Testamende Yekare

Testamende Itsva

2 Timoti 4:3-12 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

3. Nokuti nguva ichasvika vanhu pavacharamba kuteerera dzidziso yakarurama. Asi vachida zvinovafadza ivo, vachazviunganidzira vadzidzisi vazhinji kuti vadzidzise zvinodiwa nenzeve dzavo.

4. Vachafuratidza nzeve dzavo kuchokwadi uye vachatsaukira kungano.

5. Asi iwe, usvinure pazvinhu zvose, tsungirira pamatambudziko, uite basa romuvhangeri, uite mabasa ose oushumiri hwako.

6. Nokuti ini ndava kutodururwa sechipiriso chinonwiwa, uye nguva yangu yokuenda yasvika.

7. Ndarwa kurwa kwakanaka, ndapedza nhangemutange yangu, ndachengeta kutenda kwangu.

8. Zvino ndakachengeterwa korona yangu yokururama, yandichapiwa, naIshe, mutongi akarurama pazuva iro, uye kwete ini ndoga, asiwo nokuna vose vanoshuva kuonekwa kwake.

9. Ita napaunogona napo pose kuti ukurumidze kuuya kwandiri,

10. nokuti Dhemasi akada nyika yazvino, akandisiya akaenda kuTesaronika. Kiresenzi akaenda kuGaratia, uye Tito akaenda kuDharimatia.

11. Ruka oga ndiye aneni. Tora Mako uuye naye, nokuti anondibatsira kwazvo paushumiri hwangu.

12. Ndakatuma Tikiko kuEfeso.

Verenga chitsauko zvakakwana 2 Timoti 4