Testamende Yekare

Testamende Itsva

2 Timoti 4:2-6 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

2. Paridza shoko; ugare wakagadzirira panguva yakafanira kunyange isakafanira; rayira, tsiura, uye ukurudzire nomwoyo murefu zvikuru uye nokudzidzisa zvakanaka.

3. Nokuti nguva ichasvika vanhu pavacharamba kuteerera dzidziso yakarurama. Asi vachida zvinovafadza ivo, vachazviunganidzira vadzidzisi vazhinji kuti vadzidzise zvinodiwa nenzeve dzavo.

4. Vachafuratidza nzeve dzavo kuchokwadi uye vachatsaukira kungano.

5. Asi iwe, usvinure pazvinhu zvose, tsungirira pamatambudziko, uite basa romuvhangeri, uite mabasa ose oushumiri hwako.

6. Nokuti ini ndava kutodururwa sechipiriso chinonwiwa, uye nguva yangu yokuenda yasvika.

Verenga chitsauko zvakakwana 2 Timoti 4