Testamende Yekare

Testamende Itsva

2 Timoti 4:16-22 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

16. Pakuzvidavirira kwangu kwokutanga, hapana munhu akandibatsira, asi vose vakandisiya. Ngavarege kupiwa mhosva nokuda kwaizvozvo.

17. Asi Ishe akamira neni uye akandipa simba, kuti kubudikidza neni shoko riparidzwe zvakakwana uye kuti vaHedheni vose varinzwe. Uye ndakarwirwa kubva pamuromo weshumba.

18. Ishe achandirwira kubva pakurwiswa kwose kwakaipa uye achandiuyisa murugare kuumambo hwake hwokudenga. Kubwinya ngakuve kwaari nokusingaperi-peri. Ameni.

19. Ndikwazisire Pirisira naAkwira neveimba yaOnesifero.

20. Erasito akasara kuKorinde, uye ndakasiya Tirofimo paMireto achirwara.

21. Ita napaunogona napo pose kuti uuye kuno chando chisati chasvika. Yubhuro anokukwazisa, uyewo naPudhenzi, naRino, naKiraudhiyo uye nehama dzose.

22. Ishe ngaave nomweya wako. Nyasha ngadzive newe.

Verenga chitsauko zvakakwana 2 Timoti 4