Testamende Yekare

Testamende Itsva

2 Timoti 3:8-12 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

8. Sezvakaita Jonasi naJambiresi vakadzivisa Mozisi, varume avawo vanodzivisa zvokwadi, vanhu vane ndangariro dzakaora, kana pari pazvinhu zvokutenda, vakarasika.

9. Asi havangasviki kure, nokuti upenzi hwavo huchaonekwa navanhu vose.

10. Asi kunyange zvakadaro, iwe unoziva kudzidzisa kwangu kwose, mararamiro angu, chinangwa changu, kutenda kwangu, mwoyo murefu wangu, norudo, nokutsungirira,

11. matambudziko, nhamo, zvinhu zvose zvakaitika kwandiri muAndioki, Ikoniamu nomuRistra, kutambudzwa kwose kwandakasangana nako. Asi Ishe akandinunura kubva pazviri zvose.

12. Zvirokwazvo munhu wose anoda kurarama upenyu woumwari muna Kristu Jesu achatambudzwa,

Verenga chitsauko zvakakwana 2 Timoti 3