Testamende Yekare

Testamende Itsva

2 Timoti 3:4-15 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

4. vanomukira, vanoita manyawi, vanonyengera, vanoda kuzvifadza nezvenyika kupfuura Mwari;

5. vane mufananidzo bedzi wokunamata Mwari asi vachiramba simba racho. Siyana navanhu ivavo.

6. Nokuti ndivo vaya vanoverevedza vachipinda mudzimba vachitapa vakadzi vasingazvibati vakaremedzwa nezvivi zvizhinji,

7. vanogara vachidzidza asi vasingatongosviki pakuziva chokwadi.

8. Sezvakaita Jonasi naJambiresi vakadzivisa Mozisi, varume avawo vanodzivisa zvokwadi, vanhu vane ndangariro dzakaora, kana pari pazvinhu zvokutenda, vakarasika.

9. Asi havangasviki kure, nokuti upenzi hwavo huchaonekwa navanhu vose.

10. Asi kunyange zvakadaro, iwe unoziva kudzidzisa kwangu kwose, mararamiro angu, chinangwa changu, kutenda kwangu, mwoyo murefu wangu, norudo, nokutsungirira,

11. matambudziko, nhamo, zvinhu zvose zvakaitika kwandiri muAndioki, Ikoniamu nomuRistra, kutambudzwa kwose kwandakasangana nako. Asi Ishe akandinunura kubva pazviri zvose.

12. Zvirokwazvo munhu wose anoda kurarama upenyu woumwari muna Kristu Jesu achatambudzwa,

13. asi vanhu vakaipa navanonyengera vachanyanyisa kuipa, vachinyengera nokunyengerwa.

14. Asi iwe, rambira pazvinhu zvawakadzidza uye ukatenda mazviri, nokuti unoziva kuti wakazvidzidza kubva kuna ani,

15. uye kuti kubva pauduku wakaziva Magwaro matsvene, anogona kukupa uchenjeri hunosvitsa kukuponeswa kubudikidza nokutenda muna Kristu Jesu.

Verenga chitsauko zvakakwana 2 Timoti 3