Testamende Yekare

Testamende Itsva

2 Timoti 3:1-10 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Asi uzive chinhu ichi: Kuchava nenguva dzokutambudzika pamazuva okupedzisira.

2. Vanhu vachava vanozvida, vanoda mari, vanozvirumbidza, vanozvikudza, vanotuka, vasingateereri vabereki, vasingatendi, vasina utsvene,

3. vasina rudo, vasingaregereri, vanochera vamwe, vasingazvidzori, vane utsinye, vasingadi zvinhu zvakanaka,

4. vanomukira, vanoita manyawi, vanonyengera, vanoda kuzvifadza nezvenyika kupfuura Mwari;

5. vane mufananidzo bedzi wokunamata Mwari asi vachiramba simba racho. Siyana navanhu ivavo.

6. Nokuti ndivo vaya vanoverevedza vachipinda mudzimba vachitapa vakadzi vasingazvibati vakaremedzwa nezvivi zvizhinji,

7. vanogara vachidzidza asi vasingatongosviki pakuziva chokwadi.

8. Sezvakaita Jonasi naJambiresi vakadzivisa Mozisi, varume avawo vanodzivisa zvokwadi, vanhu vane ndangariro dzakaora, kana pari pazvinhu zvokutenda, vakarasika.

9. Asi havangasviki kure, nokuti upenzi hwavo huchaonekwa navanhu vose.

10. Asi kunyange zvakadaro, iwe unoziva kudzidzisa kwangu kwose, mararamiro angu, chinangwa changu, kutenda kwangu, mwoyo murefu wangu, norudo, nokutsungirira,

Verenga chitsauko zvakakwana 2 Timoti 3