Testamende Yekare

Testamende Itsva

2 Timoti 2:6-12 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

6. Murimi anoshanda nesimba ndiye anofanira kutanga kudya zvibereko.

7. Funga pamusoro pezvandinoreva, nokuti Ishe achakupa kunzwisisa pane izvi zvose.

8. Rangarirai Jesu Kristu, akamuka kubva kuvakafa, worudzi rwaDhavhidhi. Iri ndiro vhangeri rangu,

9. randinotambudzikira kunyange kusvikira pakusungwa segororo. Asi shoko raMwari harina kusungwa.

10. Naizvozvo ndinotsungirira pazvinhu zvose nokuda kwavasanangurwa, kuti naivowo vawane ruponeso rwuri muna Kristu Jesu, nokubwinya kusingaperi.

11. Herino shoko rechokwadi:Kana takafa pamwe chete naye,tichararamawo pamwe chete naye;

12. kana tikatsungirira,tichabata ushe pamwe chete naye.Kana tikamuramba,iye achatirambawo;

Verenga chitsauko zvakakwana 2 Timoti 2