Testamende Yekare

Testamende Itsva

2 Timoti 2:4-14 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

4. Hakuna munhu anoshanda somurwi anozviisa pazvinhu zvoupenyu hwavasiri varwi, anoda kufadza mukuru wake wehondo.

5. Zvimwe chetezvo, kana munhu achikwikwidza somumhanyi, haagoni kuwana korona yokukunda kunze kwokunge apedza nhangemutange sezvakarayirwa.

6. Murimi anoshanda nesimba ndiye anofanira kutanga kudya zvibereko.

7. Funga pamusoro pezvandinoreva, nokuti Ishe achakupa kunzwisisa pane izvi zvose.

8. Rangarirai Jesu Kristu, akamuka kubva kuvakafa, worudzi rwaDhavhidhi. Iri ndiro vhangeri rangu,

9. randinotambudzikira kunyange kusvikira pakusungwa segororo. Asi shoko raMwari harina kusungwa.

10. Naizvozvo ndinotsungirira pazvinhu zvose nokuda kwavasanangurwa, kuti naivowo vawane ruponeso rwuri muna Kristu Jesu, nokubwinya kusingaperi.

11. Herino shoko rechokwadi:Kana takafa pamwe chete naye,tichararamawo pamwe chete naye;

12. kana tikatsungirira,tichabata ushe pamwe chete naye.Kana tikamuramba,iye achatirambawo;

13. kana tikasava nokutenda,iye anoramba akatendeka,nokuti haangazvirambi.

14. Ramba uchivayeuchidza zvinhu izvi. Uvayambire pamberi paMwari kuti varege kuita nharo pamusoro pamashoko; hazvina maturo, zvinongoparadza chete vaya vanoteerera.

Verenga chitsauko zvakakwana 2 Timoti 2