Testamende Yekare

Testamende Itsva

2 Timoti 2:12-19 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

12. kana tikatsungirira,tichabata ushe pamwe chete naye.Kana tikamuramba,iye achatirambawo;

13. kana tikasava nokutenda,iye anoramba akatendeka,nokuti haangazvirambi.

14. Ramba uchivayeuchidza zvinhu izvi. Uvayambire pamberi paMwari kuti varege kuita nharo pamusoro pamashoko; hazvina maturo, zvinongoparadza chete vaya vanoteerera.

15. Shingaira kuti uzviratidze pamberi paMwari, somunhu anogamuchirwa, mushandi asingafaniri kunyadziswa uye anonyatsoruramisa shoko rechokwadi.

16. Nzvenga kutaura kusinei naMwari, nokuti vaya vanhu vanodaro vacharamba vachirasikirwa noumwari.

17. Dzidziso yavo ichanyenga seronda. Pakati pavo pana Himenayo naFireto,

18. vakatsauka kubva pazvokwadi. Vanoti kumuka kwavakafa kwakatopfuura, uye vanoparadza kutenda kwavamwe.

19. Kunyange zvakadaro, nheyo dzakasimba dzaMwari dzinomira, dzine chisimbiso ichi chinoti: “Ishe anoziva vanhu vake,” uye, “Ani naani anopupura zita raShe anofanira kubva pane zvakaipa.”

Verenga chitsauko zvakakwana 2 Timoti 2