Testamende Yekare

Testamende Itsva

2 Timoti 2:1-8 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Zvino iwe mwanakomana wangu, iva nesimba munyasha dziri muna Kristu Jesu.

2. Uye zvinhu zvawakanzwa ndichitaura pamberi pezvapupu zvizhinji zvipe kuvanhu vakatendeka avo vachazozvidzidzisawo vamwe.

3. Tsungirira pamwe chete nesu somurwi akanaka waKristu Jesu.

4. Hakuna munhu anoshanda somurwi anozviisa pazvinhu zvoupenyu hwavasiri varwi, anoda kufadza mukuru wake wehondo.

5. Zvimwe chetezvo, kana munhu achikwikwidza somumhanyi, haagoni kuwana korona yokukunda kunze kwokunge apedza nhangemutange sezvakarayirwa.

6. Murimi anoshanda nesimba ndiye anofanira kutanga kudya zvibereko.

7. Funga pamusoro pezvandinoreva, nokuti Ishe achakupa kunzwisisa pane izvi zvose.

8. Rangarirai Jesu Kristu, akamuka kubva kuvakafa, worudzi rwaDhavhidhi. Iri ndiro vhangeri rangu,

Verenga chitsauko zvakakwana 2 Timoti 2