Testamende Yekare

Testamende Itsva

2 Petro 3:3-8 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

3. Chokutanga, munofanira kunzwisisa kuti mumazuva okupedzisira vaseki vachauya vachiseka, vachitevera kuchiva kwenyama yavo.

4. Vachati, “Kuripiko ‘kuuya’ kwaakavimbisa? Kubvira pakufa kwakaita madzibaba edu, zvinhu zvose zvinoramba zvakaita sezvazvakanga zvakaita kubva pakusikwa kwenyika.”

5. Asi vanokanganwa nobwoni kuti kare neshoko raMwari denga raivapo uye nyika yakaumbwa ichibva mumvura uye yakaitwa nemvura.

6. Nemvura zhinji iyoyi, nyika yenguva iyoyo yakamedzwa uye ikaparadzwa.

7. Neshoko rimwe chete irori denga riripo zvino nenyika zvakachengeterwa moto, zvakachengeterwa zuva rokutongwa nerokuparadzwa kwavanhu vasingadi Mwari.

8. Asi musakanganwa chinhu chimwe chete ichi, hama dzangu, kuti: Kuna Ishe zuva rimwe chete rakaita sechiuru chamakore, uye chiuru chamakore chakaita sezuva rimwe chete.

Verenga chitsauko zvakakwana 2 Petro 3