Testamende Yekare

Testamende Itsva

2 Petro 3:11-18 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

11. Sezvo zvinhu zvose zvichizoparadzwa nenzira iyi, imi munofanira kuva vanhu vakadini? Munofanira kurarama muutsvene uye nomukutya Mwari,

12. muchitarisira zuva raMwari uye makarindira kusvika kwaro. Zuva iro richauyisa kuparadzwa kwedenga nomoto, uye zvirimo zvichanyauka nokupisa.

13. Asi sezvaakavimbisa, isu tinotarisira denga idzva nenyika itsva, iwo musha wavakarurama.

14. Saka zvino, hama dzinodikanwa, sezvo muchitarisira zvinhu izvi, shingairai kuti muwanikwe musina gwapa, musina chamunopomerwa uye muno rugare naye.

15. Muzive izvi kuti mwoyo murefu waIshe wedu unoreva ruponeso, sokunyorerwa kwamakaitwa naPauro hama yedu, nouchenjeri hwaakapiwa naMwari.

16. Anonyora zvimwe chetezvo mutsamba dzake dzose, achitaura nyaya idzodzi. Tsamba dzake dzine zvimwe zvikukutu kuti zvinzwisiswe, zvinominamiswa navasingazivi uye vanhu vasina simba, sezvavanoita mamwe Magwaro, kusvikira vaparadzwa.

17. Naizvozvo vadikani, sezvo mava kuziva zvinhu izvi, garai makarindira kuti murege kutsauswa nokudarika kwavasina murayiro uye mukawa kubva pakusimba kwenyu.

18. Asi kurai munyasha nomukuziva Ishe noMuponesi wedu, Jesu Kristu. Ngaave nokubwinya zvino uye nokusingaperi. Ameni.

Verenga chitsauko zvakakwana 2 Petro 3