Testamende Yekare

Testamende Itsva

2 Petro 2:1-6 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Asi kwakanga kuna vaprofita venhema pakati pavanhu, sezvavachavapowo vadzidzisi venhema pakati penyu. Vachazivisa pakavanda dzidziso dzinoparadza, vachiramba kunyange naiye Ishe tenzi akavatenga, vachiuyisa pamusoro pavo kuparadzwa kunokurumidza.

2. Vazhinji vachatevera nzira dzavo dzinonyadzisa uye nzira yezvokwadi ichazvidzwa.

3. Mukukara kwavo, vadzidzisi ava vachakunyengerai namashoko amanomano. Kutongwa kwavo kwakanguva kwavamirira, uye kuparadzwa kwavo hakukotsiri.

4. Nokuti kana Mwari asina kuregerera vatumwa pavakatadza, asi akavatumira kugehena, achivaisa mugomba rerima kuti vachengeterwe kutongwa;

5. kana asina kuregerera nyika yakare paakauyisa mafashamu pavanhu vayo vakanga vasingatyi Mwari, asi akadzivirira Noa, muparidzi wokururama, navamwewo vanomwe;

6. kana akatonga maguta eSodomu neGomora nokuapisa nomoto kusvikira ava dota, uye akaaita muenzaniso wezvichaitika kuna vasingadi Mwari;

Verenga chitsauko zvakakwana 2 Petro 2