Testamende Yekare

Testamende Itsva

2 Johani 1:9-13 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

9. Mumwe nomumwe anomhanya mberi asingarambiri mudzidziso yaKristu haana Mwari; ani naani anorambira mukudzidzisa kwaKristu ana Baba noMwanakomana.

10. Kana munhu akauya kwamuri uye asingauyi nedzidziso iyi, musamupinza mumba menyu kana kumugamuchira.

11. Ani naani anomugamuchira anogovana naye mubasa rake rakaipa.

12. Ndine zvizhinji zvokukunyorerai, asi handidi kushandisa pepa neingi. Asi, ndine tariro yokukushanyirai uye ndigotaura nemi chiso nechiso, kuti mufaro wedu uzadziswe.

13. Vana vomunun'una wenyu akasanangurwa vanokukwazisai.

Verenga chitsauko zvakakwana 2 Johani 1