Testamende Yekare

Testamende Itsva

2 Johani 1:1-4 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Mukuru,Kumudzimai akasanangurwa navana vake, vandinoda muchokwadi, uye kwete ini ndoga, asiwo navose vanoziva chokwadi,

2. nokuda kwechokwadi chinogara matiri uye chichava nesu nokusingaperi:

3. Nyasha, ngoni norugare zvinobva kuna Mwari Baba nokuna Jesu Kristu, Mwanakomana waBaba, zvichava nesu muchokwadi nomurudo.

4. Zvakandifadza zvikuru kuwana vamwe vana venyu vachifamba muchokwadi, sezvatakarayirwa naBaba.

Verenga chitsauko zvakakwana 2 Johani 1