Testamende Yekare

Testamende Itsva

1 Vakorinde 8:1-4 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Zvino, pamusoro pezvokudya zvakabayirwa kuzvifananidzo: Tinoziva kuti tose tino ruzivo. Ruzivo runouyisa kuzvikudza, asi rudo runovaka.

2. Munhu anofunga kuti anoziva chinhu achigere kuziva zvaanofanira kuziva.

3. Asi munhu anoda Mwari anozivikanwa naMwari.

4. Saka naizvozvo, pamusoro pokudya zvokudya zvakabayirwa kuzvifananidzo: Tinoziva kuti chifananidzo hachizi chinhu zvachose panyika uye kuti hakuna Mwari, asi iye mumwe chete.

Verenga chitsauko zvakakwana 1 Vakorinde 8