Zvitsauko

  1. 1
  2. 2
  3. 3
  4. 4
  5. 5
  6. 6
  7. 7
  8. 8
  9. 9
  10. 10
  11. 11
  12. 12
  13. 13
  14. 14
  15. 15
  16. 16

Testamende Yekare

Testamende Itsva

1 Vakorinde 6 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

Kukwidzana kumatare edzimhosva pakati pavatendi

1. Kana mumwe wenyu ane mhosva nomumwe, angatsunga here kumukwirira kumatare avasakarurama pano kumukwirira kuvatsvene?

2. Hamuzivi here kuti vatsvene vachatonga nyika? Zvino kana muchazotonga nyika, ko, hamungagoni kutonga mhosva duku duku here?

3. Ko, hamuzivi here kuti muchatonga vatumwa? Ko, kuzoti zvinhu zvoupenyu huno!

4. Naizvozvo, kana mukapokana pamusoro pezvinhu zvakadai, gadzai savatongi kunyange vanhu vano kutenda kuduku vari mukereke.

5. Ndinodaro kuti munyadziswe. Ko, pangashayikwa munhu akachenjera pakati penyu here anogona kutonga mhosva pakati pavatendi?

6. Asi panzvimbo yokuti mudaro, hama inokwirira hama kumatare avasingatendi!

7. Izvi zvokuti makatokwidzana kumatare pakati penyu zvinoreva kuti makatokundwa kare. Munoregerereiko kubvuma kukanganisirwa? Munoregereiko kubvuma kubirwa?

8. Asi imi, pachenyu munoba uye munoita zvisakarurama, muchizviitira kuhama dzenyu.

9. Ko, hamuzivi here kuti vasakarurama havagari nhaka youmambo hwaMwari? Musanyengerwa: Nokuti mhombwe kana vanonamata zvifananidzo, kana zvifeve, kana varume vanoita zvoufeve, kana varume vanodanana navamwe varume,

10. kana mbavha, kana vana madyo, kana zvidhakwa, kana vanochera vamwe, kana makororo, havangagari nhaka youmambo hwaMwari.

11. Uye izvozvo ndizvo zvakanga zvakaita vamwe venyu. Asi makashambidzwa, mukaitwa vatsvene, mukashayirwa mhosva nezita raIshe Jesu Kristu, uye noMweya waMwari.

Upombwe

12. Ndinotenderwa zvinhu zvose, asi hazvisi zvose zvinobatsira. Kwandiri zvinhu zvose zvinotenderwa, asi handidi kutongwa kana nechimwe.

13. Zvokudya ndezvedumbu uye dumbu nderezvokudya, asi Mwari achaparadza zvose zviri zviviri. Muviri hauzi woupombwe, asi ndowaShe, uye naShe ndowomuviri.

14. Mwari akamutsa Ishe kubva kuvakafa nesimba rake uye achatimutsawo.

15. Hamuzivi here kuti miviri yenyu mitezo yaKristu? Zvino ndingatora here mitezo yaKristu uye ndigoiita mitezo youpombwe? Kwete napaduku pose!

16. Hamuzivi here kuti uyo anosangana nechifeve naiye ava muviri mumwe naye? Nokuti zvinonzi, “Vaviri ava vachava nyama imwe.”

17. Asi uyo akasanganiswa naShe ava mumwe naye mumweya.

18. Tizai upombwe. Zvimwe zvivi zvose zvingaitwa nomunhu zviri kunze kwomuviri wake, asi uyo anoita chivi choupombwe anotadzira muviri wake.

19. Hamuzivi here kuti muviri wenyu itemberi yaMweya Mutsvene, ari mamuri, uyo wamakagamuchira kubva kuna Mwari? Hamuzi venyu;

20. makatengwa nomutengo. Naizvozvo kudzai Mwari nomuviri wenyu.