Testamende Yekare

Testamende Itsva

1 Vakorinde 5:1-9 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Zvinonzi pakati penyu pane upombwe, uye upombwe hworudzi rusakambonzwikwa kunyange pakati pavahedheni: Munhu anorara nomukadzi wababa vake.

2. Uye munozvikudza! Mungadai musingachemi here uye makatodzinga munhu anoita zvakadai kuti musayanana naye?

3. Kunyange zvangu ndisiri pakati penyu panyama, ndinemi mumweya. Uye ndatotonga kare pamusoro pomunhu akaita izvi, sokunonzi ndiripo.

4. Pamunoungana pamwe chete muzita raIshe Jesu, ndinemi mumweya, uye simba raIshe Jesu riripo,

5. isai munhu uyu kuna Satani, kuti nyama iparadzwe uye mweya wake ugoponeswa pazuva raShe.

6. Kuzvikudza kwenyu hakuna kunaka. Hamuzivi here kuti mbiriso shoma inovirisa chikanyiwa chose?

7. Bvisai mbiriso yakare kuti mugova chikanyiwa chitsva chisina mbiriso, sezvamuri chaizvo. Nokuti Kristu, gwayana redu rePasika, akabayirwa.

8. Naizvozvo ngatiitei mutambo, tisingaiti nembiriso yakafa, mbiriso yoruvengo nokuipa, asi nechingwa chisina mbiriso, chingwa chokururama nezvokwadi.

9. Ndakunyorerai mutsamba yangu kuti murege kufambidzana nemhombwe,

Verenga chitsauko zvakakwana 1 Vakorinde 5