Testamende Yekare

Testamende Itsva

1 Vakorinde 4:13-21 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

13. kana tichipomerwa mhosva, tinopindura zvinyoronyoro. Kusvikira panguva ino takaitwa setsvina yenyika, marara enyika.

14. Handisi kukunyorerai izvi kuti ndikunyadzisei, asi kuti ndikuyambirei, savana vangu vandinoda.

15. Kunyange zvazvo mune vachengeti vanosvika zviuru gumi muna Kristu, hamuna madzibaba mazhinji, nokuti muna Kristu Jesu ndakava baba venyu kubudikidza nevhangeri.

16. Naizvozvo ndinokukumbirai zvikuru kuti muve vateveri vangu.

17. Nokuda kwechikonzero ichi ndatuma Timoti kwamuri, mwana wangu wandinoda, akatendeka muna She. Achakuyeuchidzai mararamiro angu muna Kristu Jesu, zvinoenderana nezvandinodzidzisa kwose kwose mukereke dzose.

18. Vamwe venyu vava kuzvikudza, sokunonzi handisi kuzouya kwamuri.

19. Asi ndichauya kwamuri nokukurumidza, kana Ishe achida, uye handizotsvaki chete kuti vanhu ava vanozvikudza vari kutaura sei, asi kutiwo vane simba rakadii.

20. Nokuti umambo hwaMwari hauzi pakutaura bedzi asi pasimba.

21. Munodeiko? Ndiuye kwamuri neshamhu here, kana norudo uye nomweya wounyoro?

Verenga chitsauko zvakakwana 1 Vakorinde 4