Testamende Yekare

Testamende Itsva

1 Vakorinde 3:17-23 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

17. Kana munhu achiparadza temberi yaMwari, Mwari achamuparadza; nokuti temberi yaMwari itsvene, uye ndimi temberi yacho.

18. Musazvinyengera. Kana mumwe wenyu achizviti akachenjera namaonero enyika ino, ngaave “benzi” kuti ave akachenjera.

19. Nokuti uchenjeri hwenyika ino upenzi pamberi paMwari. Sezvazvakanyorwa zvichinzi: “Anobata vakachenjera pamano avo,”

20. uye zvakare, “Ishe anoziva kuti mifungo yavakachenjera haina maturo.”

21. Naizvozvo ngakurege kuva nomunhu anozvikudza pamusoro pavanhu! Zvinhu zvose ndezvenyu,

22. angava Pauro kana Aporo, kana Kefasi, kana nyika, kana upenyu, kana rufu, kana zvazvino, kana zvinouya, zvose ndezvenyu,

23. uye muri vanhu vaKristu, uye Kristu ndewaMwari.

Verenga chitsauko zvakakwana 1 Vakorinde 3