Testamende Yekare

Testamende Itsva

1 Vakorinde 3:1-6 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Hama, ndakanga ndisingagoni kutaura nemi savanhu vomweya asi savanhu venyama, vacheche zvavo muna Kristu.

2. Ndakakupai mukaka, kwete zvokudya zvikukutu, nokuti makanga musingagoni kudya. Zvirokwazvo, hamusati mava kugona kudya nazvino.

3. Nokuti muchiri venyama. Nokuti sezvo pakati penyu pachine godo negakava, ko, hamuzi venyika here? Ko, hamuzi kufamba savanhuwo zvavo here?

4. Nokuti kana mumwe achiti, “Ini ndiri waPauro,” mumwe achiti, “Ini ndiri waAporo,” ko, hamuzi vanhuwo zvavo here?

5. Aporo chiiko? Uye Pauro chiiko? Varanda bedzi; vamakatenda kubudikidza navo mumwe nomumwe sezvaakapiwa naShe.

6. Ini ndakasima, Aporo akadiridza, asi Mwari ndiye akameresa.

Verenga chitsauko zvakakwana 1 Vakorinde 3