Testamende Yekare

Testamende Itsva

1 Vakorinde 2:13-16 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

13. Izvi ndizvo zvatinotaura, tisingatauri namashoko atinodzidziswa nouchenjeri hwavanhu, asi namashoko atinodzidziswa naMweya, tichidudzira zvokwadi zvomweya namashoko omweya.

14. Munhu asina Mweya haangagamuchiri zvinhu zvinobva kuMweya waMwari, nokuti zvinonzwisisika nomweya.

15. Munhu ari muMweya anonzwisisa zvinhu zvose, asi iye pachake haanganzwisiswi nomunhu:

16. “Nokuti, ndianiko akaziva murangariro waShekuti amudzidzise?”Asi isu tino murangariro waKristu.

Verenga chitsauko zvakakwana 1 Vakorinde 2