Testamende Yekare

Testamende Itsva

1 Vakorinde 12:9-27 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

9. mumwe kutenda noMweya mumwe chete, mumwe zvipo zvokuporesa noMweya mumwe chete,

10. mumwe mabasa esimba, mumwe kuprofita, mumwe kuzivisisa mweya, mumwe kutaura nendimi dzakasiyana-siyana, uyezve mumwe kududzirwa kwendimi.

11. Zvose ibasa raMweya mumwe chete uye anopa mumwe nomumwe, sezvaanoda.

12. Muviri chinhu chimwe chete, kunyange une mitezo mizhinji; uye kunyange mitezo yawo iri mizhinji, inoumba muviri mumwe chete. Ndizvowo zvakaita Kristu.

13. Nokuti tose takabhabhatidzwa noMweya mumwe mumuviri mumwe, vangava vaJudha kana vaGiriki, varanda kana vakasununguka, uye tose tikapiwa kuti tinwe Mweya mumwe.

14. Zvino muviri hauna kuumbwa nomutezo mumwe, asi mizhinji.

15. Kana rutsoka rukati, “Nokuti handizi ruoko, saka handizi womuviri,” harungaregi kuva chikamu chomuviri nokuda kwechikonzero ichocho.

16. Uye kana nenzeve ikati, “Nokuti handisi ziso, saka handisi chikamu chomuviri,” haringaregi kuva chikamu chomuviri nokuda kwechikonzero ichocho.

17. Kana kuti dai muviri wose waiva ziso, kunzwa kwaizovepiko? Kana kuti dai muviri wose waive nzeve, ko, kunhuhwidza kwaizovepiko?

18. Asi zvino Mwari akaisa mitezo pamuviri, mumwe nomumwe wayo, sezvaakada kuti ive.

19. Kana dai yose waiva mutezo mumwe, ko, muviri waizovepiko?

20. Sezvazviri, kune mitezo mizhinji asi muviri mumwe.

21. Ziso haringati kuruoko, “Handinei newe!” Uye musoro haungati kurutsoka, “Handinei newe!”

22. Asi kutoti mitezo yomuviri inenge isina simba, ndiyo inodikanwa,

23. uye mitezo yatinofunga kuti haikudzwi ndiyo yatinokudza kwazvo,

24. asi mitezo yakanaka haidi kushongedzwa. Asi Mwari akabatanidza mitezo yomuviri uye akapa kukudzwa kukuru kumitezo iya isingakudzwi,

25. kuitira kuti parege kuva nokupesana pamuviri, asi kuti mitezo ichengetane zvakaenzana.

26. Kana mumwe mutezo uchitambudzika, mitezo yose inotambudzika pamwe chete nawo; kana mutezo mumwe ukakudzwa, mitezo yose inofara pamwe chete nawo.

27. Zvino imi muri muviri waKristu, uye mumwe nomumwe wenyu mutezo wawo.

Verenga chitsauko zvakakwana 1 Vakorinde 12