Testamende Yekare

Testamende Itsva

1 Vakorinde 11:5-21 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

5. Uye mukadzi mumwe nomumwe anonyengetera kana kuprofita musoro wake usina kufukidzwa, anoninipisa musoro wake, zvakangofanana nokuva nomusoro wakaveurwa.

6. Kana mukadzi asingafukidzi musoro wake, anofanira kugera bvudzi rake; asi kana zvichinyadzisa mukadzi kuti agerwe bvudzi rake, anofanira kufukidza musoro wake.

7. Murume haafaniri kufukidza musoro wake, sezvo ari mufananidzo nokubwinya kwaMwari; asi mukadzi kubwinya kwomurume.

8. Nokuti murume haana kubva pamukadzi, asi mukadzi ndiye akabva pamurume;

9. uye murume haana kusikirwa mukadzi, asi mukadzi ndiye akasikirwa murume.

10. Nokuda kwechikonzero ichi, uye nokuda kwavatumwa, mukadzi anofanira kuva nechiratidzo chesimba pamusoro wake.

11. Kunyange zvakadaro, muna She mukadzi haazi kunze kwomurume, nomurume haazi kunze kwomukadzi.

12. Nokuti mukadzi sezvaakabva pamurume, saizvozvowo murume anozvarwa nomukadzi asi zvose zvinobva kuna Mwari.

13. Tongai imi pachenyu kuti: Zvakafanira here kuti mukadzi anyengetere kuna Mwari asina kufukidza musoro wake?

14. Ko, hamudzidziswi namasikirwo ezvinhu kuti kana murume ane bvudzi refu, anonyadziswa nazvo here,

15. asi kuti kana mukadzi ane bvudzi refu, ndiko kubwinya kwake? Nokuti bvudzi refu rakapiwa kwaari kuti rive chifukidzo.

16. Zvino kana pane anoda kuita gakava pazviri, hatina tsika dzakadaro kunyange kereke dzaMwari.

17. Pane zvakarayirwa zvinotevera handikurumbidzei, nokuti hamuunganiri zvakanaka asi zvakaipa.

18. Chokutanga, ndakanzwa kuti pamunoungana pamwe chete sekereke, pane kupesana pakati penyu, uye ndingangozvitenda.

19. Nokuti dzidziso dzakatsaukana dzinofanira kuva pakati penyu, kuti zvionekwe kuti vakatendeka kuna Mwari ndavapi.

20. Pamunoungana, hachisi chirariro chaShe chamunodya,

21. nokuti kana modya, mumwe nomumwe wenyu anongotanga kudya asingamiriri vamwe. Mumwe anosara ane nzara, mumwewo anodhakwa.

Verenga chitsauko zvakakwana 1 Vakorinde 11