Testamende Yekare

Testamende Itsva

1 Vakorinde 11:1-5 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Teverai muenzaniso wangu, sezvandinotevera muenzaniso waKristu.

2. Ndinokurumbidzai nokuti munondirangarira pazvinhu zvose, uye muchichengeta dzidziso, sezvandakakudzidzisai.

3. Zvino ndinoda kuti muzive kuti musoro womurume wose ndiKristu, uye musoro womukadzi murume, uye musoro waKristu ndiye Mwari.

4. Murume mumwe nomumwe anonyengetera kana kuprofita musoro wake wakafukidzwa, anoninipisa musoro wake.

5. Uye mukadzi mumwe nomumwe anonyengetera kana kuprofita musoro wake usina kufukidzwa, anoninipisa musoro wake, zvakangofanana nokuva nomusoro wakaveurwa.

Verenga chitsauko zvakakwana 1 Vakorinde 11