Testamende Yekare

Testamende Itsva

1 Vakorinde 10:7-12 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

7. Musanamata zvifananidzo, sezvakaita vamwe vavo; sezvazvakanyorwa zvichinzi: “Vanhu vakagara pasi vakadya, vakanwa, uye vakasimuka kuti vatambe.”

8. Hatifaniri kuita upombwe, sezvakaita vamwe vavo, uye vakafa zviuru makumi maviri nezvitatu muzuva rimwe chete.

9. Hatifaniri kuedza Ishe, sezvakaita vamwe vavo, uye vakaurayiwa nenyoka.

10. Uye murege kugununu'una sezvakaita vamwe vavo, uye vakazourayiwa nomutumwa wokuparadza.

11. Zvinhu izvi zvakaitika kwavari semienzaniso kwatiri uye zvikanyorwa kuti zvive yambiro kwatiri, iyesu takasvikirwa nokuzadziswa kwokuguma kwenyika.

12. Saka, kana uchifunga kuti wakamira zvakasimba, chenjera kuti urege kuwa!

Verenga chitsauko zvakakwana 1 Vakorinde 10