Testamende Yekare

Testamende Itsva

1 Vakorinde 10:21-33 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

21. Hamunganwi mukombe waShe uye nomukombe wamadhimoniwo; hamungavi nomugove patafura yaShe uye napatafura yamadhimoni.

22. Tiri kuedza kumutsa godo raShe here? Takasimba kupfuura iye here?

23. Zvinhu zvose zvinotenderwa, asi hazvisi zvose zvinobatsira. Zvinhu zvose zvinotenderwa, asi hazvisi zvose zvinovaka.

24. Munhu ngaarege kutsvaka zvakamunakira iye, asi zvakanakira vamwe.

25. Idyai zvose zvinotengeswa pamusika wenyama musingabvunzi chinhu nokuda kwehana,

26. nokuti, “Nyika ndeyaShe, nokuzara kwayo.”

27. Kana mumwe asingatendi akakukoka kuzodya, uye kana uchida kuenda, udye zvose zvinenge zvaiswa pamberi pako usingabvunzi mubvunzo nokuda kwehana.

28. Asi kana mumwe akati kwauri, “Ichi chipiriso chakabayirwa,” rega kudya, nokuda kwaiye akuratidza, uye nokuda kwehana,

29. ndinoreva hana yomumwe kwete yako. Nokuti kusununguka kwangu kungatongerweiko nehana yomumwe?

30. Kana ini ndichidya ndavonga, ndingagotukirweiko nokuda kwechinhu chandavonga Mwari pamusoro pacho?

31. Naizvozvo, kunyange muchidya kana kunwa, chinhu chipi nechipi chamungaita, itai zvose kuti Mwari agokudzwa.

32. Musagumbusa munhu upi noupi zvake, angava muJudha, kana muGiriki kana kereke yaMwari,

33. kunyange sezvandinoedzawo kufadza munhu wose pazvinhu zvose. Nokuti handitsvaki zvakandinakira ini asi zvakanakira vazhinji, kuitira kuti vagoponeswa.

Verenga chitsauko zvakakwana 1 Vakorinde 10