Testamende Yekare

Testamende Itsva

1 Vakorinde 10:17-24 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

17. Nokuti pane chingwa chimwe chete, isu vazhinji tiri muviri mumwe, nokuti tinogovana tose pachingwa chimwe.

18. Cherechedzai vanhu veIsraeri: Ko, avo vanodya zvibayiro havagovani nearitari here?

19. Ko, ndinoreva kuti chibayiro chinobayirwa chifananidzo chinhu here, kana kuti chifananidzo chinhu here?

20. Kwete, asi zvibayiro zvavahedheni zvinopiwa kumadhimoni kwete kuna Mwari, uye ini handidi kuti mugovane namadhimoni.

21. Hamunganwi mukombe waShe uye nomukombe wamadhimoniwo; hamungavi nomugove patafura yaShe uye napatafura yamadhimoni.

22. Tiri kuedza kumutsa godo raShe here? Takasimba kupfuura iye here?

23. Zvinhu zvose zvinotenderwa, asi hazvisi zvose zvinobatsira. Zvinhu zvose zvinotenderwa, asi hazvisi zvose zvinovaka.

24. Munhu ngaarege kutsvaka zvakamunakira iye, asi zvakanakira vamwe.

Verenga chitsauko zvakakwana 1 Vakorinde 10