Testamende Yekare

Testamende Itsva

1 Vakorinde 10:13-31 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

13. Hakuna muedzo wakakuwirai imi, kunze kwaiwo unowira munhu wose. Uye Mwari akatendeka, haangatenderi kuti muedzwe kupfuura pamunogona napo. Asi kana muchiedzwa, iye achakupai nzira yokubuda nayo kuti mugone kutsunga pairi.

14. Naizvozvo, shamwari dzangu dzinodikanwa, tizai kunamata zvifananidzo.

15. Ndiri kutaura kuvanhu vakachenjera; zvitongerei pachenyu pane zvandinotaura.

16. Ko, mukombe wokuvonga watinovonga, hakuzi kusangana neropa raKristu here? Uye chingwa chatinomedura, hakuzi kusangana nomuviri waKristu here?

17. Nokuti pane chingwa chimwe chete, isu vazhinji tiri muviri mumwe, nokuti tinogovana tose pachingwa chimwe.

18. Cherechedzai vanhu veIsraeri: Ko, avo vanodya zvibayiro havagovani nearitari here?

19. Ko, ndinoreva kuti chibayiro chinobayirwa chifananidzo chinhu here, kana kuti chifananidzo chinhu here?

20. Kwete, asi zvibayiro zvavahedheni zvinopiwa kumadhimoni kwete kuna Mwari, uye ini handidi kuti mugovane namadhimoni.

21. Hamunganwi mukombe waShe uye nomukombe wamadhimoniwo; hamungavi nomugove patafura yaShe uye napatafura yamadhimoni.

22. Tiri kuedza kumutsa godo raShe here? Takasimba kupfuura iye here?

23. Zvinhu zvose zvinotenderwa, asi hazvisi zvose zvinobatsira. Zvinhu zvose zvinotenderwa, asi hazvisi zvose zvinovaka.

24. Munhu ngaarege kutsvaka zvakamunakira iye, asi zvakanakira vamwe.

25. Idyai zvose zvinotengeswa pamusika wenyama musingabvunzi chinhu nokuda kwehana,

26. nokuti, “Nyika ndeyaShe, nokuzara kwayo.”

27. Kana mumwe asingatendi akakukoka kuzodya, uye kana uchida kuenda, udye zvose zvinenge zvaiswa pamberi pako usingabvunzi mubvunzo nokuda kwehana.

28. Asi kana mumwe akati kwauri, “Ichi chipiriso chakabayirwa,” rega kudya, nokuda kwaiye akuratidza, uye nokuda kwehana,

29. ndinoreva hana yomumwe kwete yako. Nokuti kusununguka kwangu kungatongerweiko nehana yomumwe?

30. Kana ini ndichidya ndavonga, ndingagotukirweiko nokuda kwechinhu chandavonga Mwari pamusoro pacho?

31. Naizvozvo, kunyange muchidya kana kunwa, chinhu chipi nechipi chamungaita, itai zvose kuti Mwari agokudzwa.

Verenga chitsauko zvakakwana 1 Vakorinde 10