Testamende Yekare

Testamende Itsva

1 Timoti 6:10-21 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

10. Nokuti kuda mari ndiwo mudzi wezvakaipa zvose. Vamwe vanhu vanoda mari zvikuru, vakatsauka kubva pakutenda uye vakazvibaya neshungu zhinji.

11. Asi iwe, munhu waMwari, tiza kubva pane izvi zvose, uye utevere kururama, umwari, kutenda, rudo, kutsungirira nounyoro.

12. Irwa kurwa kwakanaka kwokutenda. Ubatisise upenyu husingaperi hwawakadanirwa kwahuri pawakapupura kupupura kwakanaka pamberi pezvapupu zvizhinji.

13. Ndinokurayira, pamberi paMwari, anopa upenyu kuzvinhu zvose, napamberi paKristu Jesu akapupura zvakanaka paakapa uchapupu pamberi paPondio Pirato,

14. kuti uchengete murayiro uyu, usina chinongo kana chaungapomerwa kusvikira pakuonekwa kwaIshe wedu Jesu Kristu,

15. uyo achazoratidzwa naMwari panguva yake iye Mwari, iye oga Mutongi akaropafadzwa, Mambo wamadzimambo naIshe wamadzishe.

16. Iye oga ndiye asingafi uye agere pachiedza chisingaswederwi, uyo asina akambomuona kana angamuona. Kukudzwa nesimba ngazvive kwaari nokusingaperi. Ameni.

17. Rayira vapfumi panyika ino kuti varege kuzvikudza kana kuisa tariro yavo mupfuma, isingagari, asi kuti vaise tariro yavo kuna Mwari, anotipa zvose zvizhinji kuti tifare nazvo.

18. Varayire kuti vaite zvakanaka, uye kuti vafarire kupa vamwe uye nokugovana.

19. Vachazviunganidzira pfuma senheyo yakasimba kunguva dzinouya, kuti vagobatisisa upenyu hunova upenyu kwechokwadi.

20. Timoti, chengeta icho chawakapiwa. Furatira unhu husina umwari nepfungwa dzinopikisa, dzezvinonzi pakutaura kwenhema zivo,

21. idzo dzakapupurwa navamwe uye nokudaro vakatsauka kubva pakutenda.Nyasha ngadzive newe.

Verenga chitsauko zvakakwana 1 Timoti 6