Testamende Yekare

Testamende Itsva

1 Timoti 5:9-25 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

9. Hakuna chirikadzi inganyorwa pamazita echirikadzi kana isina makore anopfuura makumi matanhatu, yakanga yakatendeka kumurume wayo,

10. uye ichinyatsozivikanwa pamabasa ayo akanaka, akafanana nokurera vana, nokubata vaeni zvakanaka, kushambidza tsoka dzavatsvene, kubatsira vaya vari mumatambudziko, uye yakazvipira kuita pamabasa ose akanaka.

11. Asi kana dziri chirikadzi duku usadzinyora pamazita aya. Nokuti kana nyama yadzo yakunda kuzvipira kwadzo kuna Kristu, dzichazotsvaka kuwanikwa.

12. Naizvozvo dzichazvivigira kutongwa, nokuti dzinenge dzaputsa kutenda kwadzo kwokutanga.

13. Pamusoro pezvo, dzinoita tsika dzokuva nousimbe uye dzichipota nedzimba. Uye hadzizi simbe bedzi, asi vaitiwo vamakuhwa, uye vasina basa ravanoita, vachitaura zvisakafanira.

14. Naizvozvo ndinoti kuchirikadzi duku ngadziwanikwe, kuti dzibereke vana, dzichengete dzimba dzadzo uye kuti dzisapa muvengi mukana wokupomera nawo.

15. Vamwe vakatotsauka kare vachitevera Satani.

16. Kana mukadzi upi zvake mutendi aine chirikadzi mumhuri yake, anofanira kudzibatsira uye arege kuita kuti kereke iremedzwe nadzo, kuitira kuti kereke igone kubatsira chirikadzi dziri kushayiwa zvechokwadi.

17. Vakuru vanobata kereke zvakanaka vakafanira kukudzwa zvakapetwa kaviri, zvikuru sei vaya vanoita basa rokuparidza nokudzidzisa.

18. Nokuti Rugwaro runoti, “Usasunga muromo wenzombe kana ichipura zviyo,” uye “Mushandi akafanirwa nomubayiro wake.”

19. Usagamuchira mhaka inopomerwa mukuru kunze kwokunge yauyiswa nezvapupu zviviri kana zvitatu.

20. Avo vanotadza vanofanira kutsiurwa pamberi pavanhu, kuitira kuti vamwe vagoyambirwa.

21. Ndinokurayira, pamberi paMwari naKristu Jesu uye napamberi pavatumwa vakasanangurwa, kuti uchengete mirayiro iyi zvakanaka, uye usingaiti uchitsaura vanhu.

22. Usakurumidza kuisa maoko pamusoro pomunhu, uye usabatana nezvivi zvavamwe. Zvichengete kuti uve wakachena.

23. Rega kunwa mvura yoga, uye unwe waini shoma nokuda kwomudumbu mako uye nokurwararwara kwako.

24. Zvivi zvavamwe vanhu zvinoonekwa pachena, zvichivatangira kusvika panzvimbo yokutongwa; zvivi zvavamwe zvinotevera mushure mavo.

25. Nenzira imwe cheteyo, mabasa akanaka anoonekwawo pachena, uye kunyange naasina kudaro haangavanzwi.

Verenga chitsauko zvakakwana 1 Timoti 5