Testamende Yekare

Testamende Itsva

1 Timoti 4:3-8 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

3. Vanodzivisa vanhu kuwanana uye vachivarayira kuti varege kudya zvimwe zvokudya, izvo zvakasikwa naMwari kuti zvigamuchirwe nokuvonga naavo vanotenda uye vanoziva chokwadi.

4. Nokuti chose chakasikwa naMwari chakanaka, uye hapana chinofanira kuraswa kana chichigamuchirwa nokuvonga,

5. nokuti chinoitwa chitsvene neshoko raMwari nokunyengetera.

6. Kana ukadzidzisa hama zvinhu izvi, uchava mushumiri akanaka waKristu Jesu, akarerwa muzvokwadi yokutenda uye nedzidziso yakanaka yawakatevera.

7. Siyana nengano dzisina umwari uye nengano dzechembere; asi uzvirovedzere paumwari.

8. Nokuti kurovedza muviri kunobatsira zvishoma hako asi umwari hunokosha pazvinhu zvose, hune vimbiso kune zvose muupenyu huno uye nomuupenyu hunouya.

Verenga chitsauko zvakakwana 1 Timoti 4