Testamende Yekare

Testamende Itsva

1 Timoti 4:2-13 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

2. Dzidziso dzakadai dzinouya navaya vanoreva nhema, vane hana dzakapiswa sokunge nesimbi inopisa.

3. Vanodzivisa vanhu kuwanana uye vachivarayira kuti varege kudya zvimwe zvokudya, izvo zvakasikwa naMwari kuti zvigamuchirwe nokuvonga naavo vanotenda uye vanoziva chokwadi.

4. Nokuti chose chakasikwa naMwari chakanaka, uye hapana chinofanira kuraswa kana chichigamuchirwa nokuvonga,

5. nokuti chinoitwa chitsvene neshoko raMwari nokunyengetera.

6. Kana ukadzidzisa hama zvinhu izvi, uchava mushumiri akanaka waKristu Jesu, akarerwa muzvokwadi yokutenda uye nedzidziso yakanaka yawakatevera.

7. Siyana nengano dzisina umwari uye nengano dzechembere; asi uzvirovedzere paumwari.

8. Nokuti kurovedza muviri kunobatsira zvishoma hako asi umwari hunokosha pazvinhu zvose, hune vimbiso kune zvose muupenyu huno uye nomuupenyu hunouya.

9. Iri ishoko rechokwadi rinofanira kutendwa zvizere

10. uye nokuda kwaizvozvi tinoshingaira nokurwa, nokuti takaisa tariro yedu muna Mwari mupenyu, anova ndiye muponesi wavanhu vose uye zvikuru sei vaya vanotenda.

11. Rayira uye udzidzise zvinhu izvi.

12. Munhu ngaarege kuvapo anokuzvidza nokuda kwouduku hwako, asi uve muenzaniso kuvatendi mukutaura, muupenyu, murudo, mukutenda uye napakuchena kwomwoyo.

13. Kusvikira ndauya, shingaira pakuverenga Rugwaro kukereke, kuparidza nokudzidzisa.

Verenga chitsauko zvakakwana 1 Timoti 4