Testamende Yekare

Testamende Itsva

1 Timoti 3:11-16 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

11. Nenzira imwe cheteyo, vakadzi vavo ngavave vanokudzwa, vasingacheri vamwe asi vanozvidzora, vakatendeka pazvinhu zvose.

12. Mudhikoni anofanira kuva murume ano mukadzi mumwe chete uye anofanira kugona kubata vana vake nemba yake zvakanaka.

13. Vaya vakashumira zvakanaka vanozviwanira zita rakanaka uye nokutsunga kukuru pakutenda kwavo muna Kristu Jesu.

14. Kunyange zvazvo ndine tariro yokuuya kwauri nokukurumidza, ndinokunyorera dzidziso idzi kuitira kuti,

15. kana ndikanonoka, uchaziva kuti vanhu vanofanira kuzvibata sei mumba maMwari, inova kereke yaMwari mupenyu, mbiru nenheyo yechokwadi.

16. Pasina kana mubvunzo, chakavanzika choumwari chikuru kwazvo:Iye akaratidzwa panyama,akaruramiswa noMweya,akaonekwa navatumwa,panyika vakatenda kwaari,akakwidzwa mukubwinya.

Verenga chitsauko zvakakwana 1 Timoti 3