Testamende Yekare

Testamende Itsva

1 Timoti 2:8-12 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

8. Ndinoda kuti varume kwose kwose vasimudze maoko matsvene pakunyengetera, vasina kutsamwa kana nharo.

9. Ndinodawo kuti vakadzi vapfeke zvakafanira, zvakanaka zvino kuzvidzora, kwete nebvudzi rakarukwa kana negoridhe kana namaperera kana nguo dzemari zhinji,

10. asi ngavave namabasa akanaka, sezvakafanira vakadzi vanoti vanonamata Mwari.

11. Mukadzi ngaadzidze akanyarara uye nokuzviisa pasi kwose.

12. Handitenderi kuti mukadzi adzidzise kana kuti ave nesimba pamusoro pomurume; anofanira kunyarara.

Verenga chitsauko zvakakwana 1 Timoti 2