Testamende Yekare

Testamende Itsva

1 Timoti 2:1-12 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Naizvozvo, pakutanga kwezvose, ndinokurayirai kuti vanhu vose vakumbirirwe, vanyengetererwe, varevererwe, vavongerwe,

2. madzimambo uye navose vari vakuru, kuti tigare norugare uye norunyararo pakurarama muumwari hwose nomuutsvene.

3. Izvi zvakanaka uye zvinofadza Mwari muponesi wedu.

4. Anoda kuti vanhu vose vaponeswe uye kuti vazive chokwadi.

5. Nokuti kuna Mwari mumwe chete, nomurevereri mumwe chete pakati paMwari navanhu, ndiye munhu Kristu Jesu.

6. Uyo akazvipa sorudzikinuro kuvanhu vose, uchapupu hwakapiwa panguva yakafanira.

7. Uye nokuda kwechikonzero ichi ndakaitwa muparidzi nomupostori, ndinokuudzai chokwadi, handisi kureva nhema, uye ndiri mudzidzisi wokutenda kwechokwadi kuvaHedheni.

8. Ndinoda kuti varume kwose kwose vasimudze maoko matsvene pakunyengetera, vasina kutsamwa kana nharo.

9. Ndinodawo kuti vakadzi vapfeke zvakafanira, zvakanaka zvino kuzvidzora, kwete nebvudzi rakarukwa kana negoridhe kana namaperera kana nguo dzemari zhinji,

10. asi ngavave namabasa akanaka, sezvakafanira vakadzi vanoti vanonamata Mwari.

11. Mukadzi ngaadzidze akanyarara uye nokuzviisa pasi kwose.

12. Handitenderi kuti mukadzi adzidzise kana kuti ave nesimba pamusoro pomurume; anofanira kunyarara.

Verenga chitsauko zvakakwana 1 Timoti 2