Testamende Yekare

Testamende Itsva

1 Petro 5:9-14 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

9. Mumudzivise, mumire makasimba mukutenda, nokuti munoziva kuti hama dzenyu munyika yose dziri kutambudzika saizvozvo.

10. Uye Mwari wenyasha dzose, akakudanirai kukubwinya kwake kusingaperi muna Kristu, mushure mokumbotambudzika kwechinguva chiduku, achakuponesai uye achakusimbisai, agokumisai zvakasimba uye agokutsigisai.

11. Ngaave nesimba nokusingaperi-peri. Ameni.

12. Ndakakunyorerai muchidimbu ndi-chibatsirwa naSirasi hama yangu yakatendeka, ndichikukurudzirai uye ndichipupura kuti idzi ndidzo nyasha dzaMwari dzechokwadi. Mirai makasimba madziri.

13. Kereke iri muBhabhironi, yakasanangurwa pamwe chete nemi, inokukwazisai, uye mwanakomana wangu Mako anokukwazisaiwo.

14. Kwazisanai nokutsvodana kworudo. Rugare kwamuri mose muri muna Kristu.

Verenga chitsauko zvakakwana 1 Petro 5