Testamende Yekare

Testamende Itsva

1 Petro 4:15-18 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

15. Ngakurege kuva nomumwe wenyu achatambudzika, nemhaka yokuti imhondi, kana mbavha, kana kuti anoita zvimwe zvakaipa zvemhando ipi zvayo, kana kusarega zvavamwe.

16. Kunyange zvakadaro, kana muchitambudzika somuKristu, musanyadziswa, asi rumbidzai Mwari nokuti mune zita iroro.

17. Nokuti inguva yokuti kutonga kutange mumba maMwari; uye kana kuchitanga nesu, zvichazoveiko kuna vaya vasingateereri vhangeri raMwari?

18. Uye,“Kana zvichiremera akarurama kuti aponeswe,ko, asingazivi Mwari nomutadzi vachazovei?”

Verenga chitsauko zvakakwana 1 Petro 4