Testamende Yekare

Testamende Itsva

1 Petro 4:1-5 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Naizvozvo, sezvo Kristu akatambudzika mumuviri wake, nemiwo muzvishongedze nomurangariro iwoyo, nokuti uyo akatambudzika mumuviri wake akarega chivi.

2. Nokuda kwaizvozvo, haagari upenyu hwake hwose hwapanyika pakuchiva kwavanhu kwakaipa, asi mukuda kwaMwari.

3. Nokuti nguva yakapfuura yakaringana kare yamakapedza muchiita kuda kwavahedheni yamairarama muutere, kuchiva, kudhakwa, kutamba kwakaipa, kuraradza nokunamata zvifananidzo zvinonyangadza.

4. Vanofunga kuti zvinoshamisa kuti imi hamuchapindi pamwe chete navo mukurarama kwokusazvidzora kwavo kuzhinji, uye vanokutukai kwazvo.

5. Asi vachazvidavirira kuna iye akazvigadzirira kutonga vapenyu navakafa.

Verenga chitsauko zvakakwana 1 Petro 4