Testamende Yekare

Testamende Itsva

1 Petro 3:9-22 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

9. Regai kudzorera chakaipa nechakaipa kana kutuka nokutuka, asi namaropafadzo, nokuti ndizvo zvamakadanirwa izvozvo kuitira kuti mugare nhaka yokuropafadzwa.

10. Nokuti,“Uyo anoda upenyunokuona mazuva akanakaanofanira kudzora rurimi rwake pane zvakaipa,nemiromo yake pakutaura zvinonyengera.

11. Anofanira kudzoka pane zvakaipa agoita zvakanaka;anofanira kutsvaka rugare agorutevera.

12. Nokuti meso aShe ari pamusoro pavakarurama,uye nzeve dzake dzakateererakumunyengetero wavo,asi chiso chaShe chakanangana navayavanoita zvakaipa.”

13. Ndianiko achakuitirai zvakaipa kana muchishingairira kuita zvakanaka?

14. Asi kunyange dai mungatambudzika nokuda kwezvakanaka, makaropafadzwa imi. “Murege kutya zvavanotya ivo; musavhundutswa.”

15. Asi mumwoyo menyu tsaurai Kristu saIshe. Mugare makazvigadzirira nguva dzose kupindura vose vanokubvunzai pamusoro petariro yamunayo. Asi muite izvozvo nounyoro uye nokukudza,

16. muchichengeta hana yakachena, kuitira kuti vaya vanotaura zvakaipa pamusoro pamafambiro enyu akanaka muna Kristu vanyadziswe pakureva kwavo.

17. Zviri nani, kana kuri kuda kwaMwari, kuti mutambudzike nokuda kwokuita zvakanaka pano kuti mutambudzike nokuda kwokuita zvakaipa.

18. Nokuti Kristu akafira zvivi zvavose kamwe chete; akarurama nokuda kwavasakarurama, kuti akuuyisei kuna Mwari. Akaurayiwa mumuviri asi akararamiswa noMweya,

19. nawo akaendawo akandoparidza kumweya yakanga iri mutorongo

20. yakaramba kuteerera kare Mwari paakanga akamirira nomwoyo murefu mumazuva aNoa, areka payakanga ichiri kuvakwa. Mairi, vanhu vashoma bedzi, ivo vasere, vakaponeswa nemvura,

21. uye mvura iyi inofananidzira rubhabhatidzo runokuponesaiwo zvino, rusingarevi kubviswa kwetsvina yomuviri asi rubatso rwehana yakanaka kuna Mwari. Inokuponesai nokumuka kwaJesu Kristu,

22. iye akapinda mudenga uye ari kuruoko rworudyi rwaMwari, vatumwa namasimba noushe zviri pasi pake.

Verenga chitsauko zvakakwana 1 Petro 3