Testamende Yekare

Testamende Itsva

1 Petro 3:5-18 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

5. Nokuti vaizvishongedza saizvozvi vakadzi vatsvene vakare avo vaiisa tariro yavo muna Mwari. Vakanga vachizviisa pasi pavarume vavo chaivo,

6. saSara, akateerera Abhurahama akamuti ishe wake. Muri vanasikana vake kana muchiita zvakanaka uye musingapi kutya nzvimbo.

7. Saizvozvo, varume, garai zvakanaka navakadzi venyu, uye muvabate norukudzo somudziyo usina simba uye savadyi venhaka pamwe chete nemi, yechipo chinokosha choupenyu, kuti parege kuva nechinodzivisa minyengetero yenyu.

8. Pakupedzisira, imi mose, mugare norugare mumwe nomumwe wenyu; munzwirane ngoni, mudanane sehama, munzwirane tsitsi uye muzvininipise.

9. Regai kudzorera chakaipa nechakaipa kana kutuka nokutuka, asi namaropafadzo, nokuti ndizvo zvamakadanirwa izvozvo kuitira kuti mugare nhaka yokuropafadzwa.

10. Nokuti,“Uyo anoda upenyunokuona mazuva akanakaanofanira kudzora rurimi rwake pane zvakaipa,nemiromo yake pakutaura zvinonyengera.

11. Anofanira kudzoka pane zvakaipa agoita zvakanaka;anofanira kutsvaka rugare agorutevera.

12. Nokuti meso aShe ari pamusoro pavakarurama,uye nzeve dzake dzakateererakumunyengetero wavo,asi chiso chaShe chakanangana navayavanoita zvakaipa.”

13. Ndianiko achakuitirai zvakaipa kana muchishingairira kuita zvakanaka?

14. Asi kunyange dai mungatambudzika nokuda kwezvakanaka, makaropafadzwa imi. “Murege kutya zvavanotya ivo; musavhundutswa.”

15. Asi mumwoyo menyu tsaurai Kristu saIshe. Mugare makazvigadzirira nguva dzose kupindura vose vanokubvunzai pamusoro petariro yamunayo. Asi muite izvozvo nounyoro uye nokukudza,

16. muchichengeta hana yakachena, kuitira kuti vaya vanotaura zvakaipa pamusoro pamafambiro enyu akanaka muna Kristu vanyadziswe pakureva kwavo.

17. Zviri nani, kana kuri kuda kwaMwari, kuti mutambudzike nokuda kwokuita zvakanaka pano kuti mutambudzike nokuda kwokuita zvakaipa.

18. Nokuti Kristu akafira zvivi zvavose kamwe chete; akarurama nokuda kwavasakarurama, kuti akuuyisei kuna Mwari. Akaurayiwa mumuviri asi akararamiswa noMweya,

Verenga chitsauko zvakakwana 1 Petro 3