Testamende Yekare

Testamende Itsva

1 Petro 3:5-10 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

5. Nokuti vaizvishongedza saizvozvi vakadzi vatsvene vakare avo vaiisa tariro yavo muna Mwari. Vakanga vachizviisa pasi pavarume vavo chaivo,

6. saSara, akateerera Abhurahama akamuti ishe wake. Muri vanasikana vake kana muchiita zvakanaka uye musingapi kutya nzvimbo.

7. Saizvozvo, varume, garai zvakanaka navakadzi venyu, uye muvabate norukudzo somudziyo usina simba uye savadyi venhaka pamwe chete nemi, yechipo chinokosha choupenyu, kuti parege kuva nechinodzivisa minyengetero yenyu.

8. Pakupedzisira, imi mose, mugare norugare mumwe nomumwe wenyu; munzwirane ngoni, mudanane sehama, munzwirane tsitsi uye muzvininipise.

9. Regai kudzorera chakaipa nechakaipa kana kutuka nokutuka, asi namaropafadzo, nokuti ndizvo zvamakadanirwa izvozvo kuitira kuti mugare nhaka yokuropafadzwa.

10. Nokuti,“Uyo anoda upenyunokuona mazuva akanakaanofanira kudzora rurimi rwake pane zvakaipa,nemiromo yake pakutaura zvinonyengera.

Verenga chitsauko zvakakwana 1 Petro 3