Testamende Yekare

Testamende Itsva

1 Petro 1:1-5 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Petro, mupostori waJesu Kristu,Kuvasanangurwa vaMwari, vatorwa munyika, vakapararira muPondasi yose, neGaratia, neKapadhokia, Ezhia neBhitinia,

2. vakasarudzwa maererano nokuziva zviri mberi kwaMwari Baba, kubudikidza nebasa roMweya rokuvaita vatsvene, kuti vateerere kuna Jesu Kristu nokusaswa neropa rake:Nyasha norugare ngazviwande kwamuri.

3. Mwari, Baba vaIshe wedu Jesu Kristu, ngaarumbidzwe! Nengoni dzake huru, akatibereka patsva akatipinza mutariro mhenyu nokumuka kwaJesu Kristu kubva kuvakafa,

4. akatiisa munhaka isingagoni kuparara, isingaori kana kusvava, yamakachengeterwa kudenga,

5. imi munodzivirirwa nesimba raMwari nokutenda kusvikira ruponeso rwauya rwakagadzirirwa kuti ruratidzwe munguva dzokupedzisira.

Verenga chitsauko zvakakwana 1 Petro 1