Testamende Yekare

Testamende Itsva

1 Johani 5:17-21 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

17. Kuita chakaipa kwose chivi, uye pane chivi chisingaurayisi.

18. Tinoziva kuti mumwe nomumwe akaberekwa naMwari haarambi achiita chivi; uyo akaberekwa naMwari anomuchengeta zvakanaka, uye akaipa haagoni kumukuvadza.

19. Tinoziva kuti tiri vana vaMwari, uye kuti nyika yose iri pai powakaipa.

20. Tinozivawo kuti Mwanakomana waMwari akauya akatipa kunzwisisa, kuitira kuti timuzive iye wechokwadi. Uye tiri maari iye wechokwadi, kunyange muMwanakomana wake Jesu Kristu. Ndiye Mwari wechokwadi noupenyu husingaperi.

21. Vana vanodikanwa, ibvai pazvifananidzo.

Verenga chitsauko zvakakwana 1 Johani 5