Testamende Yekare

Testamende Itsva

1 Johani 4:14-18 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

14. Uye takaona uye tikapupura kuti Baba vakatuma Mwanakomana wavo kuti ave Muponesi wenyika.

15. Kana munhu akapupura kuti Jesu ndiye Mwanakomana waMwari, Mwari anogara maari uye iye muna Mwari.

16. Nokudaro tinoziva uye tinovimba norudo rwaMwari kwatiri. Mwari rudo.Ani naani asingadi anogara murudo anogara muna Mwari, uye Mwari maari.

17. Naizvozvo, rudo runokwaniswa pakati pedu kuitira kuti tigova nokuvimba pazuva rokutongwa, nokuti munyika ino takafanana naye.

18. Murudo hamuna kutya. Asi rudo rwakakwana runodzinga kutya, nokuti kutya kune chokuita nokurangwa. Munhu anotya haana kukwaniswa murudo.

Verenga chitsauko zvakakwana 1 Johani 4