Testamende Yekare

Testamende Itsva

1 Johani 3:9-18 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

9. Hakuna munhu akaberekwa naMwari anoramba achiita chivi, nokuti mbeu yaMwari inogara maari; haangarambi achingotadza, nokuti akaberekwa naMwari.

10. Ndiwo maziviro edu kuti vana vaMwari ndavapi uye kuti vana vadhiabhori ndavapi: Ani naani asingaiti zvakarurama haasi mwana waMwari; uye uyo asingadi hama yake.

11. Iri ndiro shoko ramakanzwa kubva pakutanga: Tinofanira kudanana.

12. Musaita saKaini, akanga ari wowakaipa uye akaponda munun'una wake. Uye akamuurayireiko? Nokuti mabasa ake akanga akaipa uye omunun'una wake akanga akarurama.

13. Musashamiswa, hama dzangu, kana nyika ichikuvengai.

14. Tinoziva kuti takabva murufu tikaenda muupenyu, nokuti tinoda hama dzedu. Ani naani asingadi anogara murufu.

15. Ani naani anovenga hama yake imhondi, uye munoziva kuti hakuna mhondi ino upenyu husingaperi mairi.

16. Aya ndiwo maziviro edu kuti rudo rwakadini: Jesu Kristu akapa upenyu hwake nokuda kwedu. Uye isu tinofanira kupa upenyu hwedu nokuda kwehama dzedu.

17. Kana munhu ane pfuma uye akaona hama yake ichishayiwa, asi akasainzwira tsitsi, rudo rwaMwari rungagara maari seiko?

18. Vana vanodikanwa, ngatiregerei kuda namashoko kana norurimi, asi namabasa uye nechokwadi.

Verenga chitsauko zvakakwana 1 Johani 3