Testamende Yekare

Testamende Itsva

1 Johani 1:7-10 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

7. Asi kana tichifamba muchiedza, saiye ari muchiedza, tinowadzana nomumwe nomumwe wedu, uye ropa raJesu, Mwanakomana wake, rinotinatsa pazvivi zvose.

8. Kana tichiti hatina chivi, tinozvinyengera uye chokwadi hachizi matiri.

9. Kana tichireurura zvivi zvedu, iye akatendeka uye akarurama, uye achatikanganwira zvivi zvedu agotinatsa pakusarurama kwose.

10. Kana tichiti hatina kutadza, tinomuita murevi wenhema uye shoko rake harizi matiri.

Verenga chitsauko zvakakwana 1 Johani 1