Kubva pahafu yaiva yavaIsraeri, Mozisi akatsaura munhu mumwe chete kubva pavanhu makumi mashanu, chipfuwo chimwe chete kubva pazvipfuwo makumi mashanu, sezvakarayirwa naJehovha, akazvipa kuvaRevhi, vakanga vane basa rokuchengeta tabhenakeri yaJehovha.