12. vachakusimudza mumaoko avo, kuti rutsoka rwako rurege kugumburwa padombo.
13. Uchatsika pamusoro peshumba napamusoro pechiva; uchatsika-tsika shumba huru nenyoka.
14. “Nokuti anondida,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “neni ndichamununura; ndichamudzivirira, nokuti anoziva zita rangu.
15. Achadana kwandiri, uye ndichamupindura; ndichava naye pakutambudzika, ndichamurwira uye ndichamukudza.
16. Ndichamugutsa noupenyu hurefu, uye ndichamuratidza ruponeso rwangu.”