17. Makore akadurura mvura, kumatenga kwakaunga nomutinhiro; miseve yenyu yakapenya kuno nokoko.
18. Kutinhira kwenyu kwakanzwika muchamupupuri, kupenya kwenyu kwakavhenekera nyika; nyika yakadedera ikadengenyeka.
19. Gwara renyu rakapinda nomugungwa, nzira yenyu ikapinda nomumvura zhinji zhinji, kunyange zvazvo tsoka dzenyu dzakanga dzisingaonekwi.
20. Makatungamirira vanhu venyu seboka ramakwai noruoko rwaMozisi naAroni.